Mabasa Avapostori 5:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. akati, “Endai, munoudza pamavazhe etemberi, mundoudza vanhu mashoko ose oupenyu hutsva uhu.”

21. Vakapinda mutemberi mangwanani, sezvavakanga vaudzwa, vakatanga kudzidzisa vanhu.Muprista mukuru navamwe vake vakati vasvika, vakaunganidza Dare Guru ramakurukota, ungano yose yavakuru, vakatumira vanhu kuti vandotora vapostori kujeri.

22. Asi vabati vakati vasvika pajeri, vakawana vasimo. Saka vakadzokera vakandoti,

Mabasa Avapostori 5