Mabasa Avapostori 28:9-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Izvi zvakati zvaitika, vairwara vose vomuchitsuwa vakauya uye vakaporeswa.

10. Vakatikudza nenzira zhinji uye patakanga tagadzirira kukwira chikepe, vakatipa zvinhu zvataida.

11. Mwedzi mitatu yakati yapfuura, takaenda kugungwa tikakwira muchikepe chakanga chapedza mwaka wechando chiri pachitsuwa apa. Chakanga chiri chikepe chokuArekizandiria chakanga chine misoro miviri yavamwari mapatya, ivo Kasitori naPorukisi.

12. Takaenda paSirakuse tikandogarapo kwamazuva matatu.

13. Takabvapo tikakwira chikepe tikandosvika kuRegiamu. Zuva rakatevera, mhepo yaibva zasi yakakwira, uye pazuva rechipiri takazosvika paPuteori.

14. Ipapo takawana hama uye dzikatikoka kuti tipedze vhiki imwe tinavo. Nokudaro takasvika kuRoma.

15. Hama dzaikoko dzakanga dzanzwa kuti takanga tichiuya, naizvozvo vakafamba kusvikira kuMusika weApio napaMahotera Matatu kuti vazosangana nesu. Pauro, paakaona varume ava, akavonga Mwari uye akakurudzirwa.

16. Takati tasvika kuRoma, Pauro akatenderwa kuti agare oga, ane murwi aimuchengeta.

17. Mazuva matatu akati apfuura, akakoka vatungamiri vavaJudha. Vakati vaungana, Pauro akati kwavari, “Hama dzangu, kunyange ndisina kuita chinhu chakaipa kuvanhu vokwedu kana pamusoro petsika dzamadzitateguru edu, ndakasungwa muJerusarema ndikaiswa mumaoko avaRoma.

18. Vakandibvunzisisa uye vakada kundisunungura, nokuti ndakanga ndisina mhosva ipi zvayo yaikodzera rufu.

19. Asi vaJudha vakati varamba ndakazvipira kuti ndizviise kuna Kesari, kwete kuti ndakanga ndine mhosva ipi zvayo nehama dzangu.

20. Nokudaro ndakumbira hangu kuti ndikuonei uye nditaure nemi. Nokuda kwetariro yaIsraeri ndakasungwa nengetani iyi.”

21. Ivo vakati, “Hatina kumbogamuchira kana tsamba zvadzo dzichibva kuJudhea maererano newe, uye hakuna mumwe wehama dzakabvako akatizivisa kana kutaura chinhu chipi zvacho chakaipa pamusoro pako.

Mabasa Avapostori 28