28. “Naizvozvo ndinoda kuti muzive kuti ruponeso rwaMwari rwatumirwa kuvaHedheni, uye ivo vachanzwa!”
29. Shure kwokunge ataura izvi, vaJudha vakabva, vachikakavadzana zvikuru pakati pavo.
30. Pauro akagara ikoko kwamakore maviri ose ari muimba yake yaairipira uye aigamuchira vose vaiuya kuzomuona.
31. Akaparidza zvoumambo hwaMwari asingatyi, asingadziviswi uye akadzidzisa nezvaIshe Jesu Kristu.