Mabasa Avapostori 28:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Takati tasvika zvakanaka kumahombekombe, takazoziva kuti chitsuwa ichi chainzi Marita.

2. Vanhu vomuchitsuwa ichi vakatiitira tsitsi dzinoshamisa. Vakavesa moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kuchinaya uye kuchitonhora.

Mabasa Avapostori 28