21. Shure kwokunge vanhu vagara nguva refu vasina zvokudya, Pauro akamira pamberi pavo akati, “Varume, maifanira kunge makateerera zano rangu rokuti murege kubva paKirete; ipapo mungadai makazviponesa pakuparadza nokurasikirwa uku.
22. Asi zvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge, nokuti hakuna mumwe wenyu acharasikirwa noupenyu hwake; asi chikepe ichi bedzi ndicho chichaparadzwa.
23. Madeko mutumwa waMwari uyo wandiri wake uye wandinoshumira akamira neni
24. akati kwandiri, ‘Usatya, Pauro. Unofanira kutongwa pamberi paKesari; uye Mwari nenyasha akupa upenyu hwavose vanofamba newe muchikepe.’
25. Saka tsungai mwoyo, varume, nokuti ndino kutenda muna Mwari kuti zvichaitika sezvaakandiudza.
26. Kunyange zvakadaro tichandokandwa hedu pane chimwe chitsuwa.”