Mabasa Avapostori 20:8-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Makanga mune mwenje mizhinji muimba yapamusoro matakanga tichisangana.

9. Pawindo pakanga pagere jaya rainzi Yutiko, uyo akanga abatwa nehope huru sezvo Pauro akanga achingoramba achitaura. Paakanga anyatsobatwa nehope akawira pasi achibva paimba yechitatu yapamusoro akazonongwa afa.

10. Pauro akaburuka akasvikozviwisira pamusoro pejaya akamugumbatira mumaoko ake. Akati, “Musatya, mupenyu!”

Mabasa Avapostori 20