6. Vakati vanzwa mutinhiro uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurumi rwake chairwo.
7. Vakashamiswa kwazvo, vakabvunzana vachiti, “Ko, vanhu ava vose havasi vaGarirea here vari kutaura?
8. Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo?
9. VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara Mesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia,
10. Firigia nePamufiria, Ijipiti namativi eRibhia pedyo neKureni; vaeni vanobva kuRoma