11. (zvose vaJudha navakatendeukira kuchiJudha); vaKirete navaArabhu, tinovanzwa vachitaura zvishamiso zvaMwari nendimi dzedu chaidzo!”
12. Vakakatyamara uye vakakanganisika, vakabvunzana vachiti, “Zvinoreveiko izvi?”
13. Kunyange zvakadaro, vamwe vakavaseka vakati, “Vanwa waini yakawanda.”
14. Ipapo Petro akamira pamwe chete navane gumi nomumwe, akadanidzira, kuvanhu vazhinji achiti, “Hama imi vaJudha nemi mose mugere muJerusarema, regai ndikutsanangurirei chinhu ichi; nyatsoteererai mashoko angu.