Mabasa Avapostori 19:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene wakauya pamusoro pavo, uye vakataura nendimi vakaprofita.

7. Vakanga vari varume vanenge gumi navaviri vose.

8. Pauro akapinda musinagoge akataura asingatyi imomo kwemwedzi mitatu, achikakavadzana navo zvinyoronyoro pamusoro poumambo hwaMwari.

9. Asi vamwe vavo vakaomesa mwoyo yavo; vakaramba kutenda uye vakatsoropodza Nzira iyo pamberi pavanhu. Saka Pauro akabva pavari. Akatsaura vadzidzi akaenda navo pamwe chete akandoita hurukuro navo zuva rimwe nerimwe pachikoro chaTirano.

Mabasa Avapostori 19