Mabasa Avapostori 14:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. VaHedheni navaJudha, pamwe chete navatungamiri vavo vakanga vakarangana kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe.

6. Asi vakazviziva vakabva vatizira kuRistira neDhebhe maguta avaRikonia nokunyika dzose dzakapoteredza,

7. uko kwavakaramba vachiparidza vhangeri.

8. MuRistira maigara mumwe murume akanga ari mhetamakumbo, akanga ari chirema kubva pakuberekwa kwake uye akanga asina kumbofamba.

Mabasa Avapostori 14