Mabasa Avapostori 13:22-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Shure kwokunge abvisa Sauro, akagadza Dhavhidhi kuti ave mambo wavo. Iye akapupura pamusoro pake achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi mwanakomana waJese murume wapamwoyo pangu; iye achaita zvinhu zvose zvandinoda kuti aite.’

23. “Kubva kuzvizvarwa zvomurume uyu Mwari akavigira vaIsraeri Muponesi Jesu, sezvaakanga avimbiswa.

24. Jesu asati auya, Johani akaparidza kutendeuka norubhabhatidzo kuvanhu vose veIsraeri.

Mabasa Avapostori 13