Mabasa Avapostori 13:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Mwari wavanhu veIsraeri akasarudza madzibaba edu; akaita kuti vanhu vabudirire panguva yavaigara muIjipiti, akavabudisa munyika iyo nesimba guru,

18. akava nomwoyo murefu namaitiro avo kwamakore anenge makumi mana vari mugwenga,

19. akakunda ndudzi nomwe muKenani akapa nyika yavo kuvanhu vake kuti ive nhaka yavo.

20. Izvi zvakatora makore anenge mazana mana namakumi mashanu. Shure kwaizvozvi, Mwari akavapa vatongi kusvikira panguva yaSamueri muprofita.

Mabasa Avapostori 13