Mabasa Avapostori 11:28-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Mumwe wavo, ainzi Agabhusi, akasimuka akaprofita noMweya Mutsvene kuti nzara huru yaizopararira munyika yose yavaRoma. (Izvi zvakaitika munguva yokutonga kwaKiraudhio).

29. Vadzidzi vakazvipira, mumwe nomumwe napaaigona napo, kuti ape rubatsiro kuhama dzaigara muJudhea.

30. Vakaita izvi, vakatumira chipo chavo naBhanabhasi naSauro kuvakuru.

Mabasa Avapostori 11