9. Shure kwokunge ataura izvi, akakwidzwa kudenga pamberi pameso avo chaipo, uye gore rikamufukidza vakasazomuona.
10. Vakanga vakatarisisa paakanga achikwira kudenga, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena vakamira pavari.
11. Vakati kwavari, “Varume veGarirea, makamirireiko pano makatarisa kudenga? Iyeyu Jesu abviswa kwamuri achienda kudenga, achadzokazve sezvamamuona achienda kudenga.”