Kuungudza Kwajeremia 5:19-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Imi Jehovha, munotonga nokusingaperi; chigaro chenyu choushe chiripo kusvikira kumarudzi namarudzi.

20. Sei muchigara muchitikanganwa? Sei muchitikanganwa kwenguva yakareba kudai?

21. Tidzoserei kwamuri, Jehovha, kuti tigodzoka; vandudzai mazuva edu senguva yekare,

22. kana musina kutiramba zvachose kana kutitsamwira zvikuru kwazvo.

Kuungudza Kwajeremia 5