19. Imi Jehovha, munotonga nokusingaperi; chigaro chenyu choushe chiripo kusvikira kumarudzi namarudzi.
20. Sei muchigara muchitikanganwa? Sei muchitikanganwa kwenguva yakareba kudai?
21. Tidzoserei kwamuri, Jehovha, kuti tigodzoka; vandudzai mazuva edu senguva yekare,
22. kana musina kutiramba zvachose kana kutitsamwira zvikuru kwazvo.