40. Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei, uye ngatidzokerei kuna Jehovha.
41. Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga, tigoti:
42. “Takatadza uye takakumukirai uye imi hamuna kukanganwira.
43. Makazvifukidza nokutsamwa mukadzingana nesu; makauraya musinganzwiri ngoni.
44. Makazvipfukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako.
45. Makatiita marara netsvina pakati pendudzi.