Kuungudza Kwajeremia 3:40-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

40. Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei, uye ngatidzokerei kuna Jehovha.

41. Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga, tigoti:

42. “Takatadza uye takakumukirai uye imi hamuna kukanganwira.

43. Makazvifukidza nokutsamwa mukadzingana nesu; makauraya musinganzwiri ngoni.

44. Makazvipfukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako.

45. Makatiita marara netsvina pakati pendudzi.

Kuungudza Kwajeremia 3