Kuungudza Kwajeremia 3:12-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Akawembura uta hwake akandiita chinhu chinonangwa chemiseve yake.

13. Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake.

14. Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose.

15. Akandigutsa nomuriwo unovava. uye akandinwisa nduru.

16. Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva.

17. Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii.

18. Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.”

Kuungudza Kwajeremia 3