12. Akawembura uta hwake akandiita chinhu chinonangwa chemiseve yake.
13. Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake.
14. Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose.
15. Akandigutsa nomuriwo unovava. uye akandinwisa nduru.
16. Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva.
17. Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii.
18. Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.”