1. Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yehasha dzake.
2. Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe murima panzvimbo yomuchiedza;
3. zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise nguva nenguva, zuva rose.
4. Akasakadza ganda rangu nenyama yangu uye akavhuna mapfupa angu.
5. Akandikomba akandipoteredza neshungu nokurwadziswa.
6. Akandigarisa murima savanhu vakanguri vafa.