1. Zvino Joshua akadana vaRubheni navaGadhi norudzi rwehafu rwaManase
2. akati kwavari, “Makaita zvose zvamakarayirwa naMozisi muranda waJehovha uye makateerera zvose zvandakakurayirai.
3. Kwenguva refu, kusvikira nhasi, hamuna kurasa hama dzenyu, asi makaita zvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu.