Joshua 21:12-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Asi minda nemisha yakapoteredza guta zvakanga zvapiwa kuna Karebhu mwanakomana waJefune.

13. Saka vakapa zvizvarwa zvomuprista Aroni Hebhuroni (guta routiziro kune anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu), Ribhina,

14. Jatiri, Eshitema,

15. Horoni, Dhebhiri,

16. Aini, Juta neBheti Shemeshi, pamwe chete namafuro awo, maguta mapfumbamwe kubva pamarudzi maviri aya.

17. Kubva parudzi rwaBhenjamini, vakavapa Gibheoni, Gebha,

18. Anatoti, neArimoni, pamwe chete namafuro awo, maguta mana.

19. Maguta ose avaprista, izvo zvizvarwa zvaAroni muprista akanga ari gumi namatatu, pamwe chete namafuro awo.

Joshua 21