15. Waisanganisirawo Katati, Naharari, Shimironi, Idhara neBheterehema. Pakanga pana maguta gumi namaviri nemisha yawo.
16. Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yaZebhuruni, imba neimba.
17. Mugove wechina wakapiwa Isakari, imba neimba.
18. Nyika yavo yaisanganisira:Jezireeri, Kesuroti, Shunami,
19. Hafaraimi, Shioni, Anaharati,
20. Rabhiti, Kishioni, Ebhezi,
21. Remeti, Eni Ganimi, Eni Hadha, Bheti Pazezi.
22. Muganhu waindobatawo Tabhori, Shahazuma, neBheti Shameshi ndokuguma paJorodhani. Paiva namaguta gumi namatanhatu nemisha yawo.
23. Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yorudzi rwaIsakari, imba neimba.
24. Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAsheri, imba neimba.
25. Nyika yavo yaisanganisira:Herikati, Hari, Bheteni, Akisafi,
26. Aramereki, Amadhi, neMishari. Nechokumavirira, muganhu waibata Karimeri neShihori Ribhinati.
27. Ipapo waidzokera kumabvazuva wakananga kumusoro kuBheti Emeki nokuNeyeri, uchipfuurira nokuKabhuri nechokuruboshwe.
28. Wakananga kuAdhudhoni, Rehobhu, Hamoni neKana, kusvikira kuSidhoni Huru.
29. Ipapo muganhu wakadzokera kumashure wakananga kuRama ukaenda kuguta rakakomberedzwa reTire, ndokudzokera kuHosa ukandobudira pagungwa riri mudunhu reAkizibhi,
30. Uma, Afeki neRehobhi. Pakanga pana maguta makumi maviri nemisha yawo.