6. “Kana vari vanhu vose vanogara munyika dzamakomo kubva kuRebhanoni kusvika kuMisirefoti Maimi, zvichireva vaSidhoni vose, ini pachangu ndichavadzinga pamberi pavana vaIsraeri. Unofanira kugovera nyika iyi kuvana vaIsraeri kuti ive nhaka yavo sezvandakurayira,
7. uye ugoigovanisa senhaka pakati pamarudzi mapfumbamwe nehafu yorudzi rwaManase.”
8. Imwe hafu yaManase, navaRubheni navaGadhi, vakanga vagamuchira nhaka yavakanga vapiwa naMozisi kumabvazuva kweJorodhani, sokuvagovera kwaakanga aita, iye muranda waJehovha.
9. Yaibva kuAroeri nechokumusoro kwomupata weArinoni ichibvawo kuguta riri pakati pomupata, zvichibatanidzira bani rose reMedhibha kusvikira kuDhibhoni,
10. uye maguta ose aSihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni, kusvikira kumuganhu wavaAmoni.
11. Yaibatanidzirawo Gireadhi, nenyika yavanhu veGeshuri neMaaka neGomo rose reHemoni uye neBhashani kusvikira kuSareka,