Joshua 13:22-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Kuchiverengwa navaya vakanga vaurayiwa muhondo, vaIsraeri vakanga vauraya nomunondo Bharamu mwanakomana waBheori.

23. Muganhu wavaRubheni wakanga uri mahombekombe erwizi rweJorodhani. Maguta aya nemisha yawo ndiwo aiva nhaka yavaRubheni imba neimba.

24. Izvi ndizvo zvakapiwa rudzi rwavaGadhi naMozisi, imba neimba:

25. Nyika yeJazeri, namaguta ose eGireadhi, nehafu yenyika yavaAmoni, kusvikira kuAroeri, pedyo neRabha;

Joshua 13