Johani 8:30-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Kunyange panguva yaakanga achitaura, vazhinji vakatenda kwaari.

31. Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo.

32. Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”

33. Ivo vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahama uye hatina kumbova varanda vomumwe munhu. Ungareva sei kuti tichasunungurwa?”

Johani 8