Johani 8:13-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. VaFarisi vakamupikisa vachiti, “Hezvo, uri kuratidza wani kuti unozvipupurira pachako; uchapupu hwako hahuna maturo.”

14. Jesu akapindura akati, “Kunyange dai ndikazvipupurira pachangu, uchapupu hwangu ndohwechokwadi, nokuti ndinoziva kwandakabva uye nokwandinoenda. Asi imi hamuzivi kwandinobva kana kwandinoenda.

15. Munotonga nameso enyama; ini handitongi munhu.

16. Asi kana ndikatonga, kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handizi ndoga. Ndinotonga naBaba, vakandituma.

17. Mumurayiro wenyu makanyorwa kuti kupupura kwavanhu vaviri ndokwechokwadi.

18. Ini ndini ndinozvipupurira pachangu; mumwe anondipupurira ndiBaba, vakandituma.”

19. Ipapo vakamubvunza vakati, “Baba vako varipiko?”Jesu akapindura akati, “Hamundizivi ini kana Baba vangu. Dai maindiziva mungadai maizivawo Baba vangu.”

20. Akataura mashoko aya paakanga achidzidzisa ari mutemberi pedyo nenzvimbo yaiiswa zvipo. Asi hapana munhu akamubata, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.

Johani 8