Johani 7:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba muGarirea, asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaikoko vakanga vachitsvaka kumuuraya.

2. Asi Mutambo waMatumba wavaJudha wakati wava pedyo,

3. vanun'una vaJesu vakati kwaari, “Munofanira kubva pano muende kuJudhea, kuitira kuti vadzidzi venyu vagoona zvishamiso zvamunoita.

Johani 7