Johani 6:43-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

43. Jesu akapindura akati, “Regai kugunun'una pakati penyu.

44. Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.

45. Muvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri.

Johani 6