Johani 19:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Pirato akatora Jesu akaita kuti arohwe.

2. Varwi vakaita korona yeminzwa vakaidzika pamusoro wake. Vakamupfekedza nguo dzepepuru

3. vakaenda kwaari vaendazve vachiti, “Kwaziwai, mambo wavaJudha!” Uye vakamurova kumeso.

4. Pirato akabuda akatizve kuvaJudha, “Tarirai, ndava kumuisa kwamuri kuti muzive kuti ndashaya mhosva paari.”

5. Jesu akati abuda kunze akapfeka korona yeminzwa uye nenguo yepepuru, Pirato akati kwavari, “Hoyo munhu!”

6. Vaprista vakuru navatariri vavo vakangoti vachimuona, vakadanidzira vachiti, “Ngaarovererwe! Ngaarovererwe!”Asi Pirato akapindura achiti, “Mutorei imi mumuroverere. Kana ndirini, handiwani mhosva paari.”

7. VaJudha vakasimbirira vachiti, “Isu tino murayiro, nomurayiro iwoyo, anofanira kufa, nokuti anozviti Mwanakomana waMwari.”

8. Pirato akati anzwa izvi akanyanyisa kutya,

9. uye akadzokerazve mumuzinda. Akasvikobvunza Jesu achiti, “Unobvepiko iwe?” Asi Jesu haana kupindura.

Johani 19