Johani 16:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa:

9. pamusoro pechivi, nokuti vanhu havatendi kwandiri;

10. pamusoro pokururama, nokuti ndiri kuenda kuna Baba, kwamusingazondionizve;

11. uye pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atotongwa.

12. “Ndine zvizhinji zvokutaura kwamuri, zvakawanda zvokuti hamungagoni kuzvitakura iye zvino.

Johani 16