Johani 16:28-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Ndakabva kuna Baba uye ndikapinda munyika; zvino ndava kusiya nyika uye ndava kudzokera kuna Baba.”

29. Ipapo vadzidzi vaJesu vakati, “Zvino mava kutaura pachena musingaiti nemifananidzo.

30. Zvino tava kuona kuti munoziva zvinhu zvose uye kuti hapana achafanira kuti akubvunzei mibvunzo. Izvi zvinoita kuti titende kuti makabva kuna Mwari.”

31. Jesu akapindura akati, “Mava kutenda here zvino?

Johani 16