Johani 12:9-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Zvichakadaro, vazhinji zhinji vechiJudha vakanzwa kuti Jesu akanga aripo vachibva vauya, kwete nokuda kwake bedzi asi kuti vazoonawo Razaro, waakanga amutsa kubva kuvakafa.

10. Saka vaprista vakuru vakaronga kuuraya naRazarowo,

11. nokuti nokuda kwake, vaJudha vazhinji vakanga vava kubva kwavari vachiisa kutenda kwavo kuna Jesu.

12. Zuva rakatevera ungano huru yavanhu vakanga vauya kuMutambo yakanzwa kuti Jesu akanga ari munzira achiuya kuJerusarema.

13. Vakatora mapazi emichindwe vakaenda kundosangana naye, vachidanidzira vachiti:“Hosana!”“Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!”“Akaropafadzwa Mambo weIsraeri!”

14. Jesu akati awana mwana wembongoro, akagara pamusoro pake, sezvazvakanyorwa zvichinzi:

15. “Usatya iwe Mwanasikana weZioni;tarira, mambo wako ari kuuya,akagara pamusoro pomwana wembongoro.”

16. Vadzidzi vake havana kuzvinzwisisa pakutanga. Vakazoyeuka shure kwokunge Jesu akudzwa, kuti zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vaita izvozvo kwaari.

17. Zvino vanhu vazhinji vakanga vanaye paakadana Razaro kubva muguva uye akamumutsa kubva kuvakafa vakaramba vachiparadzira shoko iri.

Johani 12