Joere 3:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Paridzirai izvi kundudzi dzose: Gadzirirai hondo! Mutsai varwi! Varwi vose ngavaswedere pedyo varwise.

10. Pfurai mapadza enyu muaite minondo, uye mapanga okuchekerera miti muaite mapfumo. Asina simba ngaati, “Ndine simba!”

11. Uyai nokukurumidza, imi ndudzi dzose, kubva kumativi ose mugoungana ipapo. Haiwa Jehovha, burutsai varwi venyu.

12. “Ndudzi dzose ngadzimutswe, ngadziende kuMupata waJehoshafati, nokuti ipapo ndipo pandichatonga ndudzi dzose kumativi ose enyika.

Joere 3