Joere 2:23-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Farai imi vanhu veZioni, farai muna Jehovha Mwari wenyu, nokuti akakupai mvura yokupedzisira mukururama. Anokupai mvura yakawanda, yokupedzisira neyebumharutsva sakare.

24. Mapuriro enyu achazara nezviyo, uye zvisviniro zvenyu zvichazara newaini itsva uye namafuta.

25. “Ndichakuripirai makore ose amakadyirwa nemhashu: mhashu dzemagutaguta, nemhashu dzegwatakwata, nedzimwe mhashu, uye nefararira remhashu;

Joere 2