Joere 2:21-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Usatya iwe nyika; fara zvako upembere nokuti Jehovha aita zvinhu zvikuru.

22. Musatya, imi mhuka dzesango, nokuti mafuro ava kusvibira. Miti yava kubereka michero yayo; mionde nemizambiringa zvichabereka kwazvo.

23. Farai imi vanhu veZioni, farai muna Jehovha Mwari wenyu, nokuti akakupai mvura yokupedzisira mukururama. Anokupai mvura yakawanda, yokupedzisira neyebumharutsva sakare.

24. Mapuriro enyu achazara nezviyo, uye zvisviniro zvenyu zvichazara newaini itsva uye namafuta.

25. “Ndichakuripirai makore ose amakadyirwa nemhashu: mhashu dzemagutaguta, nemhashu dzegwatakwata, nedzimwe mhashu, uye nefararira remhashu;

26. Muchava nezvokudya zvakawanda kusvikira maguta, ipapo mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, uyo akakuitirai zvishamiso; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.

27. Ipapo muchaozoziva kuti ndirimo muIsraeri, uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uye kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.

28. “Uye shure kwaizvozvo, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, vatana venyu vacharota hope, majaya enyu achaona zviratidzo.

29. Kunyange pamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadururira Mweya wangu mumazuva iwayo.

30. Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, pachava neropa nomoto neshongwe dzoutsi.

31. Zuva richashanduka rigova rima, uye mwedzi uchava ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.

32. Uye ani naani achadana kuzita raJehovha achaponeswa; nokuti paGomo reZioni nomuJerusarema muchava noruponeso sezvakataurwa naJehovha, pakati pavanopunyuka, avo vachadanwa naJehovha.

Joere 2