1. Shoko raJehovha rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri.
2. Inzwai izvi, imi vakuru; teererai imi mose vagere munyika. Ko, zvakadai zvakatomboitika here pamazuva enyu, kana pamazuva amadzitateguru enyu?
3. Zvinhu izvi zviudzei vana venyu, uye vana venyu ngavaudzewo vana vavo, uye vana vavowo vaudze rudzi runotevera.