4. Uchenjeri hwake hwakadzika, simba rake iguru. Ndianiko akamudzivisa akabuda asina vanga?
5. Anobvisa makomo iwo asingazivi ndokuapidigura pakutsamwa kwake kukuru.
6. Anozungunusa nyika ikabva panzvimbo yayo uye anoita kuti mbiru dzayo dzidengenyeke.
7. Anotaura kuzuva iro ndokurega kuvhenekera; anodzivira chiedza chenyeredzi.
8. Iye oga anotambanudza matenga uye anofamba pamusoro pamafungu egungwa.
9. Ndiye Muiti weNyeredzi dzeAkutiro neOrioni nedzeChimunomwe namapoka enyeredzi dzenyasi.
10. Anoita minana isingagoni kuyerwa, nezvishamiso zvisingagoni kuverengwa.