10. Anoita minana isingagoni kuyerwa, nezvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
11. Paanondipfuura, handigoni kumuona; paanoenda napo handingamuoni.
12. Kana achibvuta, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, ‘Unoiteiko?’
13. Mwari haadzori kutsamwa kwake; kunyange boka ravarwi raRahabhi rikawira patsoka dzake.
14. “Zvino ndingakakavadzana naye seiko? Ndingawana seiko mashoko okuita nharo naye?
15. Kunyange ndakanga ndisina mhaka, handaigona kumupindura; ndaingokumbira hangu nyasha kuMutongi wangu.
16. Kunyange dai ndikamudana hangu uye iye akandipindura, handitendi kuti aizonditeerera.
17. Aizondipwanya nedutu uye achizowedzera maronda angu pasina mhosva.