1. Ipapo Jobho akapindura kuna Jehovha akati:
2. “Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose; hapana urongwa hwenyu hungakoneswa.
3. Mabvunza kuti, ‘Ndianiko uyu anodzikatira zano rangu iye asina zivo?’ Zvirokwazvo ndakataura pamusoro pezvinhu zvandisinganzwisisi, zvinhu zvinoshamisa kwazvo kuti ini ndizvizive.