Jobho 40:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akati kuna Jobho:

2. “Ko, munhu anokakavadzana naWamasimba Ose angamurayira here? Anopomera Mwari mhosva ngaamupindure!”

3. Ipapo Jobho akapindura Jehovha akati:

4. “Ini handina maturo, ndingakupindurai seiko? Ndafumbira muromo wangu.

5. Ndakataura kamwe chete, asi handina mhinduro, kaviri, asi handichapamhidzizve.”

6. Ipapo Jehovha akataura naJobho ari mudutu akati:

7. “Chizvisunga somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.

8. ‘Ko, iwe unoda kukanganisa kururamisira kwangu here? Ko, unondipomera kuti uzviruramise here?

Jobho 40