Jobho 38:31-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. “Ungagona kusunga nyeredzi dzechimutanhatu here? Iwe ungasunungura mabote eOrioni here?

32. Ungabudisa mapoka enyeredzi panguva yadzo here, kana kutungamirira Akuturo navana vayo?

33. Unoziva mitemo yokumatenga here? Ungagona kumisa umambo hwaMwari pamusoro penyika here?

34. “Ko, iwe ungasvitsa inzwi rako kumakore here, nokuzvifukidza namafashamu emvura?

Jobho 38