Jobho 38:14-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso; mamiriro ayo anoita senguo.

15. Vakaipa vanonyimwa chiedza chavo, uye ruoko rwavo rwakasimudzwa rwavhunika.

16. “Wakamboshanyira zvitubu zvegungwa here, kana kufamba kwakanyarara kwokwakadzika?

17. Ko, masuo orufu wakamboaratidzwa here? Wakamboona masuo omumvuri worufu here?

18. Wati wanzwisisa upamhi hwenzvimbo dzenyika here? Ndiudze kana uchiziva zvose izvi.

19. “Ko, nzira inoenda kunogara chiedza ndeipi? Ko, rima rinogarepi?

20. Ungagona kuzviisa kunzvimbo yazvo here? Unoziva nzira inoenda kwazvinogara here?

21. Zvirokwazvo iwe unoziva, nokuti wakangova waberekwa? Wararama kwamakore mazhinji kwazvo.

22. “Wakambopinda mudura rechando here, kana kuona dura rechimvuramabwe,

23. zvandakachengetera nguva dzokutambudzika, mazuva ehondo nookurwa?

24. Ko, nzira inoenda kunogoverwa mheni ndeipi, kana nzvimbo inoparadzirwa pamusoro penyika mhepo dzokumabvazuva?

25. Ndianiko anodziura mugero wemvura zhinji, uye nzira yechimvuramabwe,

26. kuti zvidiridze nyika isingagarwi nomunhu, gwenga risina munhu mariri,

27. kugutsa nyika yakaparadzwa nokuita kuti imere uswa?

28. Ko, mvura ina baba here? Ndianiko baba vamadonhwe edova?

29. Chando chinobva muchizvaro chaaniko? Ndianiko anobereka mazaya echando achibva kudenga,

30. panooma mvura ikaita sedombo, pamusoro pokwakadzika pachioma nechando?

Jobho 38