Jobho 36:30-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Tarirai maparadziro aanoita mheni yake pamativi ake, ichituhwina makadzika megungwa.

31. Ndiyo nzira yaanotanga nayo ndudzi neyaanodziriritira nayo nezvokudya zvakawanda.

32. Anozadza maoko ake nemheni agorayira kuti irove paanoda.

33. Kutinhira kwake kunozivisa dutu remvura riri kuuya; kunyange mombe dzinoratidza kusvika kwaro.

Jobho 36