Jobho 34:18-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Ko, haazi iye oga anoti kumadzimambo, ‘Hamubatsiri imi,’ uye kumakurukota, ‘Makaipa imi,’

19. asingaitiri machinda zvakanaka nokuti machinda, uye asingaitiri zvakanaka vapfumi kupfuura varombo, nokuti vose ibasa ramaoko ake.

20. Vanofa kamwe kamwe, pakati pousiku; vanhu vanovhundutswa vagoparara; vane simba vanobviswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.

21. “Meso ake ari panzira dzavanhu; anoona nhambwe imwe neimwe yavo.

22. Hakuna nzvimbo ine rima, hakuna mumvuri worufu, pangavanda vaiti vezvakaipa.

23. Mwari haanei nezvokuedzazve vanhu, kuti vauye vamire pamberi pake vagotongwa.

24. Anoparadza vane simba asina kumbobvunza, agogadza vamwe panzvimbo yavo.

25. Nokuti anocherechedza mabasa avo, anovabvisa usiku ivo ndokupwanyika.

26. Anovaranga nokuda kwokuipa kwavo, pavanoonekwa nomunhu wose,

27. nokuti vakatsauka pakumutevera uye havana kuva nehanya kana neimwe yenzira dzake.

Jobho 34