Jobho 32:16-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara, zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro?

17. Neniwo ndichava nechokutaura; neniwo ndichareva zvandinoziva.

18. Nokuti ndizere namashoko, uye mweya uri mandiri unondimanikidza;

19. mukati mangu ndafanana newaini iri mubhodhoro rakadzivirwa, sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka.

20. Ndinofanira kutaura kuti ndisununguke; ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura.

Jobho 32