Jobho 3:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Nyeredzi dzahwo dzamangwanani ngadzisvibe; ngahumirire chiedza chamasikati pasina uye ngahurege kuona hwerazuva hwamambakwedza;

10. nokuti hahuna kundipfigira mikova yechizvaro kuti huvanze dambudziko pamberi pangu.

11. “Ko, ndakaregererei kufa pakuberekwa kwangu, nokufa pandaibuda mudumbu?

12. Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchire namazamu kuti ndinwe?

Jobho 3