Jobho 3:6-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Usiku uhwo rima guru ngaribate; ngahurege kuverengwa pakati pamazuva egore kana kunyorwa pamwedzi ipi zvayo.

7. Usiku uhwo ngahushaye zvibereko; ngaparege kunzwika kupembera kwomufaro mahuri.

8. Vanotuka mazuva ngavatuke zuva iro, vaya vakagadzirira kumutsa Chikara Chikuru cheGungwa.

9. Nyeredzi dzahwo dzamangwanani ngadzisvibe; ngahumirire chiedza chamasikati pasina uye ngahurege kuona hwerazuva hwamambakwedza;

10. nokuti hahuna kundipfigira mikova yechizvaro kuti huvanze dambudziko pamberi pangu.

11. “Ko, ndakaregererei kufa pakuberekwa kwangu, nokufa pandaibuda mudumbu?

12. Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchire namazamu kuti ndinwe?

13. Nokuti zvino ndingadai ndakavata murugare; ndingadai ndivete uye ndakazorora

14. namadzimambo namakurukota enyika, vakazvivakira nzvimbo dzava matongo zvino,

15. navatongi vakanga vane goridhe, vakazadza dzimba dzavo nesirivha.

Jobho 3