Jobho 3:23-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Upenyu hunopirweiko munhu ane nzira yakavanzika, iye akakomberedzwa naMwari noruzhowa?

24. Nokuti mafemo anosvika kwandiri pachinzvimbo chezvokudya, kugomera kwangu kunodururwa semvura.

25. Zvandaitya zvakandivinga; zvandaizeza zvaitika kwandiri.

26. Handina rugare, handina runyararo; handina zororo, asi nhamo chete.”

Jobho 3