Jobho 29:21-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. “Vanhu vakanditeerera vachitarisira kwazvo, vanyerere vakamirira kurayira kwangu.

22. Shure kwokutaura kwangu, ivo havana kuzotaurazve; mashoko angu akawira panzeve dzavo zvinyoronyoro.

23. Vakandimirira kunge vakamirira mvura yomupfunhambuya, uye vakanwa mashoko angu kunge mvura yechirimo.

24. Pandakanyemwerera kwavari havana kuzvitenda; chiedza chechiso changu chaikosha kwavari.

25. Ndakavasarudzira nzira ini ndokugara saishe wavo; ndakagara samambo pakati pamauto ake; ndakanga ndakaita somunhu anonyaradza vanochema.

Jobho 29