11. Vose vakandinzwa vakataura zvakanaka pamusoro pangu, uye vose vakandiona vakandirumbidza,
12. nokuti ndakarwira varombo vaichemera rubatsiro, uye nherera dzakanga dzisina anobatsira.
13. Munhu akanga afa akandiropafadza; ndakaita kuti mwoyo wechirikadzi uimbe.
14. Ndakafuka kururama sechipfeko changu; kururamisira kwaiva nguo yangu nenguwani yangu.
15. Ndakanga ndiri meso kumapofu namakumbo kuzvirema.
16. Ndakanga ndiri baba kuna vanoshayiwa; ndaitamba mhaka yomutorwa.
17. Ndakavhuna meno avakaipa, uye ndakabata chaakanga abata pamazino ake.
18. Ndakafunga kuti, ‘Ndichafira mumba mangu, mazuva angu awanda sejecha.