Jobho 23:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Anoita zvaakatema pamusoro pangu, uye urongwa huzhinji hwakadai achinahwo mudura rake.

15. Ndokusaka ndichitya pamberi pake; pandinofunga nezvose izvi, ndomutya.

16. Mwari akaita kuti mwoyo wangu uziye; Wamasimba Ose akandivhundutsa.

17. Kunyange zvakadaro rima harina kuita kuti ndinyarare, rima guru rakafukidza chiso changu.

Jobho 23