14. Anoita zvaakatema pamusoro pangu, uye urongwa huzhinji hwakadai achinahwo mudura rake.
15. Ndokusaka ndichitya pamberi pake; pandinofunga nezvose izvi, ndomutya.
16. Mwari akaita kuti mwoyo wangu uziye; Wamasimba Ose akandivhundutsa.
17. Kunyange zvakadaro rima harina kuita kuti ndinyarare, rima guru rakafukidza chiso changu.